Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voenderera Mberi neKuramwa Mabasa


Vadzidzisi vakawanda muzvikoro vakateerera kurudziro yekuramwa mabasa yakaitwa nemasangano anovamiririra.

Zvikoro zvakawanda muChinhoyi, Banket, Karoi neKadoma zvaenge zvisina vadzidzisi avo vatanga kuramwa mabasa nezuro vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro.

Mumwe mudzidzisi anoshanda pachikoro chekuMhangura asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti abatana nevamwe vadzidzisi kuramwa mabasa sezvo vave kunonga svosve nemuromo.

Mudzidzisi uyu anoti zvekutyisidzirwa kuti vadzokere kubasa hazvishande sezvo vakabvira kare vachivhundutsirwa.

Mumwe mudzidzisi, VaPatrick Chombe vemuChinhoyi, vanoti vabatana nevamwe kuramwa mabasa senzira yekutevedzera kurudziro yakaitwa nebsangano ravo reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ.

VaChombe vanoti havatye kutyisidzirwa sezvo zvikonzero zvavari kuramwira mabasa zviri pachena uye zvichinzwisisikwa nemunhu wose ane hany'a nehupenyu hwevanhu.

Vadzidzisi vataura neStudio7 vabuda pachena kuti gurukota rezvedzidzo yepasi, VaPaul Mavhima, vakatadza nekukurudzira kuti vadzidzisi vasaramwe mabasa vachiti havasi ivo vakanga varonga nyaya yekuramwa mabasa.

Sachigaro wePTUZ mudunhu reMashonaland West, VaAustin Mutapa, vanoti VaMavhima havazive pekugumira.

VaMutapa vanoti chaita kuti masangano anomirira vadzidzi abatane nhasi mukuramwa mabasa inyaya yezvikonzero zvaari kuramwira mabasa zvavati zviri kurwadza mudzidzisi wose munyika.

Vadzidzisi vari kuramwa mabasa vachiti mari dzavari kutambira ishoma zvikuru apo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zuva nezuva.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG