Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Michero Inobva KuChimanimani nChipinge Voomerwa neHupenyu


Vanotengesa michero nezvirimwa maMutare zvinobva kuChimanimani nekuChupinge vave kuchema chema nekukwira kwaita mitengo yezvinhu sezvo zvirimwa zvizhinji zvakaparadzwa nedutumupengo reCyclone Idai.

Vanorarama nekutengesa michero vanoti makotopeya, maapples , matomatisi zvakawedzerwa mitengo zvakanyanya sezvo zviri zvishoma panguva ino. Izvi zvakonzerwa nedabudziko recyclone Idai rakaparadzawo migwagwa yakawanda.

Amai Lynette Murenje mumwe wevanorarama nekutengesa zvirimwa zvinobva kuChimanimani vanoti matomatisi akwira mutengo zvakanyanyisa.

“Necylone iyoyi yakati kuuya iyi hakuchina kana domasi, taisimawana matomati aya kuCashel asi hakuchina nezvakaitika uye ave kudhura pasandaki taisiwana ne$30 asi izvezvi vamwe vave kuti $90.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvino pakuzotengesa vanhu vavakuti mari yacho yawandisa hatichakwanisi kugeina. Vava kutotohodhera matomati mabig buyers ekwanaMutare saka isusu ma-small business atichina chekubata.”

Amai Pamela Kasikai avo vanoita mabasa ekutengesa vari paNhedziwa vanotiwo mabasa avo haasi kuvafambira sevamwe nekuda kwekukwira kwakaita mitengo yemichero.

“Izvo zvizvi zvinhu kufamba hazvizi kufamba, tiri kuhodha mtomati acho kuti tingawane kurarama asi hazvisi kutengwa ndochichemo chatiinacho. Vanotiwo, “Asi ukwo tine chimwe chekuti hatizi kuwana zvakakwana kubva kune zvinogoverwa sezvo misika yataipona nayo haina chaichabudisa nekuti hazvisi kutengwa nenyaya yekuti zvanzi zvadhura.”

Mashoko aya anotsinhirwawo naVaProsper Sithole avo vanoti, “Zvinhu zvatidhurira kuno zvekuti hatichina chekubata.” Migomo yataisitenga nemadhora makumi matatu yave kuti $100, ukuwo muzvitoro hamuchatangiki, zingwa ravakudhura mafuta ava kudhura saka toita seyi tatambura.”

Amai Susan Mwaika vanoti kunze kwekudhura kwezvinhu pavanoshandira hapana kukodzera sezvo vachishandira pamhene pasina kupfirirwa zvinopa kuti michero yavo ikurumidze kuipa,

Kunze kwekwaMutare. Dzimwe nzvimbo dzakaita seMbare dzinowana michero kubva kuChipinge neChimanimai dziri kusanganawo nedamubdziko rekukwira kwemitengo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG