Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHIV/AIDS Vodhurirwa neMishonga Yavanoda


Vanhu vanorarama neHIV/AIDS vasingade kunoforera mishonga yema Anti Retrovial Drugs, ARVs, kuzvipatara zvehurumende, vari kusangana nedambudziko rekudhura kwemishonga iyi pavanoenda kunotenga mishonga kuzvitoro, sezvo vazhinji vacho vasingakwanisi kuwana mari dzinodiwa.


Vanhu vakawanda vanorarama neHIV/AIDS vanoti vanonyara kumira mitsetse yemuzvipatara zvehurumende kuti vapihwe mishonga iyi pachena. Vamwe vavo vanoti mitsetse iyi inenge yakarebesa zvikuru, zvekuti vanopedzisira vaneta nekumirira mishonga iyi, vobva vaenda zvavo kunoitenga muzvitoro zvemishonga.


Mumwe wevanorarama neHIV, VaStanley Takaona, vanoti vakaudzwa kuti vane HIV mugore ra 1996, asi vakazotanga kunwa mishonga iyi muna 2004. VaTakaona vanoti dzimwe nguva vanotora mishonga yavo kuzvipatara zvehurumende, asi vakawana mitsetse yakarebesa, vanoenda kunotenga mishonga iyi kuzvitoro zvimishonga, kana kuti pharmacy. VaTakaona vanoti vamwe vanhu havakwanise kutenga mishonga yavo nekuti vanotambira mari shoma, uye vamwe havana mabasa.


VaSikhumbuzo Mpofu, avo vakadzidzira basa rekugadzira mishonga yekurapa, vanoshanda pane chimwe chitoro chemishonga muBulawayo. VaMpofu vanoti mitengo yemishonga yema ARVs inosiyana siyana zvichienderana nekuti murwere ari kunwa mushonga upi. Va Mpofu vanoti mishonga inonyanya kushandiswa munyika inonzi firstline drugs, inosanganisira stalanev ne trimune, iyo ine mutengo unobvira pamadhora mapfumbamwe, kusvika pamadhora gumi nemasere, ichishandiswa pamwedzi wega wega.


Mimwe mishonga iri kushandiswa munyika inosanganisira combivir, zidovidine, nevirapine, uye lamuvidine. Mitengo yemushonga unokwana kwemwedzi, inotangira pamadhora gumi nemana, kusvika pamakumi mana emadhora.
VaTakaona vanoti mishonga mizhinji inobvira pamadhora gumi zvichikwira zvichienderana nekuti munhu atenga kupi kwacho.


Mumwe mushonga wemapiritsi, atripla, une simba remishonga mitatu inenge iri papiritsi rimwe chete. Kuti munhu ashandise mushonga uyu kwemwedzi wose, anotenga mapiritsi aya nemari inoita makumi mapfumbamwe emadhora.
Mari iyi yakawanda zvikuru zvokuti vanhu vazhinji havakwanise kuyiwana.


Asi mukuru wezvirongwa zveHIV mubazi rezvehutano, Doctor Owen Mugurungi, vanoti vose vari kutarisana nedambudziko re HIV/AIDS, vakasununguka kuenda kuzvipatara zvehurumende kunotora mishonga yavo pachena. Asi vamwe vari kurarama nehutachiwana vanoti chinonetsera zvipatara zvehurumende, inyaya yekuti mitsetse yevanoda mishonga iyi, inenge yakarebesa, uyewo hapana kuvandika, izvo zvinozopa kuti vamwe vaende kunotenga mishonga iyi kuzvitoro zvemishonga. VaMugurungi vanobvuma kuti hongu pane mamwe matambudziko angangoveko muzvipatara zvehurumende, asi mishonga izere muzvipatara.


Mumaguta akaita seBulawayo neHarare, pane vamwe vanhu vava kutengesa mishonga yema ARVs mumigwagwa nemari iri pasi pasi, izvo zviri kupa kuti vamwe vanhu vamhanyire kumishonga iyi. Asi VaTakaona vanopa kurudziro yekuti vanhu havafanirwe kutenga mishonga yemumigwagwa iyi nekuti ine njodzi.


Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzeavo vanorarama neHIV/AIDS rinonzi Zimbabwe HIV/AIDS Activists Union, Va Bernard Nyathi, avo vanorarama nehutachiwana, vanoti dai nyika dzekunze dzikabatsira Zimbabwe mukurwisa kupararira kwehutachiona muvanhu.


Asi Va Mpofu, avo vanova nyanzvi yezvemishonga yekurapa zvirwere, vanoti vanhu vanorarama nehutachiwana havana kutarisana nedambudziko remari yekutenga mishona yema ARVs chete. VaMpofu vanoti vamwe vevanhu ava vane zvimwe zvirwere zvakaita seTB, fungal infections, high blood pressure, diabetes, nezvimwewo zvinoda mishonga.


Hurumende inoti pari zvino munyika mune vanhu vanodarika mazana matatu ezviuru vari kunwa mishonga yema ARVs. Sangano re National Aids Council rinotiwo munyika mune vanhu vanodarika zviuru mazana mashanu vanoda mishonga yema ARVs

XS
SM
MD
LG