Accessibility links

Breaking News

Vanhu Zana neMakumi Mashanu neVasere (158) Vofa Mumazuva Manomwe Chete muZimbabwe


Mitumbi yevanhu vakafa neCovid-19
Mitumbi yevanhu vakafa neCovid-19

Vanhu zana nemakumi mashanu nevasere kana kuti 158 vafa nechirwere cheCovid-19 mukati memazuva manomwe adarika zvichitevera kufa kwevamwe vanhu makumi matatu nevasere kana kuti 38 nemusi weChitatu chete.

Huwandu hwevanhu vakafa neChitatu ava ndihwo hwakawandisa pazuva rimwe chete kubva zvatanga kupararira chirwere ichi munyika gore rapera.

Vanhu vafa kusvika parizvino vave mazana mashanu nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 589. MuHarare chete makafa vanhu makumi maviri, vasere kuManicaland, vashanu kuBulawayo, vatatu kuMasvingo uye mumwe chete kuMashonaland Central.

Vanhu churu chimwe chete chine gumi nevanomwe kana kuti 1, 017 vakabatwa nechirwere ichi nezuro munyika. Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwave pazviuru makumi maviri nemana zvine mazana maviri nemakumi mashanu nevatanhatu kana kuti 24, 256.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zviuru gumi nezvitatu zvine mazana matanhatu nemakumi mashanu nevasere kana kuti 13, 658 mushure mekunge vamwe vanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 262 vapora neChitatu.

Vanhu vachiri kurwara vasvika zviuru gumi nevapfumbamwe kana kuti 100, 09 Apo chirwere ichi chonyanya kupararira nekuuraya vanhu, nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida, avo vakambotungamira chipatara cheChitungwiza Hospital uye vari munyori mukuru weZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland vati vanhu vatevere kurudziro dzose dziri kupihwa nevezvehutano kuti vasatapurirwe chirwere ichi.

Africa

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi manomwe nemashanu zvine mazana manomwe nepfumbamwe kana kuti 75, 709. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vadarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu kana kuti 1,5 million.

Pasi Rose

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti 92 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi masere nemana kana kuti 384 000 uye vabatwa nechirwere ichi vari mamiriyoni makumi maviri nematatu kana kuti 23 million.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG