Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Votiza Mhirizhonga Iri Kuitika


Mhirizhonga yezvematongerwe enyika inonzi iri kuramba ichienderera mberi munzvimbo zhinji dziri mumaruwa eNyanga North, zvikuru kwaNyamaropa, mudunhu reManicaland.

Vazhinji vevanhu ava vanonzi vari kutsvaga kwekupotera, vamwe vachibuda munyika vachienda kuMozambique.

Mutauriri webato re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muManicaland, Va Pishai Muchauraya, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumaruwa mazhinji mudunhu ravo, kunyanya kuNyanga uko mazana nemazana evanhu ari kunzi atotiza mhirizhonga, iyo iri kunzi iri kukonzerwa ne ZANU-PF.

NeChishanu kwaMutasa vatsigiri vanomwe veMDC vasungwa vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Vasungwa ava vanonzi vakachengetedzwa pa Mutasa Central Police Station, uye magweta avo ari kuedza kuti vaburitswe.

XS
SM
MD
LG