Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voshaya Chikafu neNyaya yeKushaya Zvitupa neZvimwe


vanhu vachinogowerwa chikafu
vanhu vachinogowerwa chikafu

Mamwe madzishe mudunhu reMasvingo ari kuchema chema kuti vagari vazhinji mumaruwa vari kutadza kuwana chikafu cherubatsiro kubva kumasangano akazvimirira kana ku hurumende nekuti havana zvitupa kana mamwe magwaro avari kutadza kutora nekuoma kwakaita hupenyu munyika.

Vachitaura pamusangano wekuparura zvakabuda mutsvakirudzo yakaitwa ne komishini yeZimbabwe Human Rights(ZHRC) yekunetsa kuwanika kwemagwaro akaita sezvitupa, magwaro ekuzvarwa nemapasipoti, mamwe madzishe ati vanhu vazhinji mumaruwa vari kunyimwa chikafu cherubatsiro nekuti havana magwaro aya.

Ishe Tsvovani, VaFelix Mundau veku Chiredzi, vanoti nyaya yekushaya magwaro idambudziko guru.

Mashoko aya atsinhirwa naIshe Ndanga, VaRanganai Bwanda, veku Zaka, vati vasina magwaro munzvimbo mavo nekuti havasi kuwana rubatsiro apo nzara iri kuwedzera mvura ichirambira mudenga.

Vanoona nezve kufambiswa kwemabasa musangano reZHRC, VaCliff Mugoti vatiwo muongororo yavakaita zvakabuda pachena kuti vanhu vasina magwaro vari panyanga dzamushore.

Ishe Mazuru, VaMunhikwi Mukandatsama, vekwa Gutu, vatiwo dambudziko iri ririmovo munzvimbo mavo uye vakurudzira hurumende kuti ipinde mumaruwa ichipa vanhu zvitupa nemari yepasi nekuti vazhinji havana mari yekufamba kuenda kuma dhorobha kundotora magwaro aya.

Mukuru mubazi rehurumende rinopa vanhu magwaro muMasvingo, Amai Stembeni Chitsa, havana kukwanisa kuuya pamusangano uyu vachinzi havasi mudhorobha.

Hatina kukwanisa kuvabatawo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Masangano akazvimirira anga ari pamusangano uyu atiwo ari kusangana ne matambudziko evanhu vasina zvitupa asi havatenderwi nemutemo webasa kuvabatsira nekuti vanofanira kuita zvinyorwa zvine mazita nenhamba dze zvitupa zvevanhu.

Amai Lucia Masekesa, munyori mukuru musangano reNango, mudunhu reMasvingo vatenda kuti nyaya yemagwaro iri kukanganisa vagary vakawanda.

Sangano reWorld Food Programe rinoti vanhu vanosvika mamirioni masere munyika vanoda kubatsiro rwe chikafu apo nyika yakatarisana nedambudziko re nzara raka konzerwa nekushaikwa kwemvura uye mimwe mitemo yehurumende iri kupa kuti pahaye chinobuda kubva kuminda.

Nzara iyi yauraya apozvipfuwo zvakawanda kusanganisira mombe dzino pfuura zviuru gumi mudunhu reMasvingo zvafa nezvirwere uye kushaya mafuro.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG