Vanhu vaviri vanonzi vakafa nechirwere chekorera kuchiredzi mukupera kwesvondo. Izvi zvaita kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munzvimbo iyi hukwire kusvika pavanhu vashanu mukati memwedzi miviri.
Vakuru vehutano muMasvingo vanoti vanhu vaviri vakafa kupera kwesvondo uye vamwe vakawanda vachiri kurapwa muzvipatara zvakasiyana-siyana mudunhu umu.
Chirwere ichi chinonzi chanetsa ku Boli, Sangwe, Matsivamele nemudhorobha reChiredzi.
Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa muMasvingo, V aMadeuf Shamu, vanoti dambudziko rechirwere ichi rakura zvikuru kuChiredzi.
Asi VaShamu havana kuda kutaura huwandu hwevanhu vafa uye vari muchipatara pari zvino.
Asi mumwe mukuru mubazi rezvehutano aramba kudomwa zita rake anoti vanhu vaviri vakafa mukupera kwesvondo.
Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota rezvehitano, VaHenry Madzorera, kuti tinzwe matanho ari kutorwa nebazi ravo.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti huwandu wevanhu vafa hunogona kudarika huri kuzivikanwa sezvo vamwe vanhu vari kufira mudzimba dzavo.
Mumiriri weChiredzi North mudare reparamende, Va Moses Mare, vakumbira hurumende kuti iwedzere kuchera zvibhorani kuChiredzi kuitira kuti vanhu vawane mvura yakati cheneyi.
Pari kutyirwa kuti chirwere ichi chingango pararira munzvimbo dzakawanda sezvo vanhu vakawanda vasina mvura yakachena yavanoshandisa.
Korera yakauraya vanhu vanodarika zviuru zvina muna 2008, ukuwo vanhu vanodarika zviuru zana vakarapwa mushure mekubatwa nechirwere ichi.
Mune imwe nyaya, bato reMDC-T kuMasvingo rinoti ratanga kupa rubatsiro kumhuri dzevatsigiri varo vakaurayiwa kana kukuvara mumhirizhonga yemuna 2008.
Vachitaura nevatori venhau kuMasvingo, vanoona nezvemabasa ebato iri kuMasvingo, Va Alec Tave, vati chirongwa chavo ndechekubatsira vose vakavhiringwa nemhirizhonga yezvematongerwo enyika.
VaTave vati ivo chirongwa ichi chakanyanya kunangana nemhuri dzakarasikirwa navabereki sezvo pasisina anokwanisa kudziriritira.
Sachigaro weMDC-T kuMasvingo, Va Wilstaff Sitemere, vanoti dambudziko guru nderokuti hapasati pawanikwa mari yakawanda asi pashoma pavainapo, pachabatsira zvikuru
Mumwe mugari wekwaGutu, Amai Lucia Matando, vanoti vakakwanisa kuvakirwa dzimba dzavo idzo dzakapiswa mudunhu rashe Chitsa.
Amai Matando vanoti vakakwanisawo kuwana mbeu uye zvipfeko pasi pechirongwa ichi.
Asi mumwe mutsigiri we bato iri akakuvara zvikuru mushure mekunge imba yaakanga akarara yakapiswa mugore iri panzvimbo yemabhizimusi eJerera anoti iye haasati awana kana sendi zvaro kubva kuMDC.
MDC-T inoti nhengo dzayo dzinodarika mazana matatu dzakaurayiwa uye dzimwe zhinji dzikatiza misha zvichitevera mhirizhonga yezvematongerwo enyika muna 2008.
Bato iri rinoti masoja, mapurisa, vasori, vaimbova varwiri vehondo yerusununguko, pamwe nevechidiki veZanu PF, ndivo vakaonesa ndondo vatsigiri varo mugore iri.