Accessibility links

Breaking News

Vanhu vaviri vambochengetedzwa nemapurisa kuChinhoyi.


Vanhu vaviri vanonzi vambotorwa kuChinhoyi ndokumbochengetedzwa nemapurisa vachibvunzurudzwa nezvemusangano wekupangana mazano wavanga vachiita.

Vatorwa ava ndi Va Owen Dhliwayo ve United Church of Christ, pamwe naMuzvare Catherine Mukwapati veSangano re Youth Dialogue for Action.

Vaviri ava vanonzi vazoregedzwa manheru pasina mhosva yavapomerwa. Zvinonzi mapurisa avatora, atorawo mari yavanga vainayo, vachiti imari yakabva ku Britain kuti ishandiswe mukupidigura hurumende.

Musangano uyu wanga wakarongwa ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nenhengo yeNCA Blessing Vava, avo vane nhengo dzanga dziri pamusangano uyu kuti tinzwe zvaitika.

XS
SM
MD
LG