Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vofa neKuda kweMafashamu eMvura kuManicaland


Mafashamu emvura nedutumupengo remhepo zvinonzi zvakauraya vanhu vatatu nekuparadza misha yakawanda kuManicaland asi zvave kuenda zvichiita nani.

Dutumupengo rakabva nekuMozambique iri rinonzi Eloise. Ku Chipinge neChimanimani zvikoro zvakawanda zvapwanywa nemafashamu emvura aya uye vamwe vanhu vari pedyo nerwizi Save vave kutamiswa kuenda kwakakwirira.

Kunaya zvakanyanya kwemvura kwapawo kuti mamwe madhamu maviri anoti Manyuchi neTugwi Mukosi azarise zvopa kuti mvura ivhurwe kuti irasike.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development VaClaris Madhuku avo vanoti dzimwe nzvimbo hadzisi kusvikika nekuda kwemiti yakadonhera mumigwagwa.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG