Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCOPAC Dzinoratidzira muHarare


Vanhu vari kushanda nekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva kana kutiCOPAC, mudunhu reMashonaland Central, varatidzira neChishanu pamahofisi eCOPAC muHarare, vachiti vanoda kubhadharwa mari dzavo dzekubatsirikana, kana kuti allowances.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti vataura nevanhu ava vakavavimbisa kuti mari dzavo dzichnage dzabhadharwa svondo rinouya neChishanu. VaMwonzora vati vari kusangana nedambudziko rekutadza kubahadhara vanhu mari uye kutenga mafuta nekuti mari yechirongwa chavo, iri kunonoka kubva kuhurumende pamwe nekuUNDP.

Vanhu vakawanda vanonzi vari kutadziswa kupa pfungwa dzvavo muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva vachinzi havagari munzvimbo idzi. Zvinonziwo kusashanda pamwe chete kuri kuitwa nenhengo dze Zanu PF neMDC muCOPAC, kuri kudzorerawo shure chirongwa ichi. Izvi zvinonzi zviri kuitika munzvimbo dzakawanda.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu kuMatabeleland, Amai Gladys Gombani Dube, vanoti zvakakosha kuti vanhu vaite mushandira pamwe pahurongwa hwakadai.

XS
SM
MD
LG