Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoda maARVs Vodarika Zviuru Mazana Mashanu


Kare vanhu vaipihwa ma ARV kana ropa ravo riine CD4, iyo iri pasi pemazana maviri.

Masangano ari kurwisa chirwere che HIV/Aids munyika anoti vanhu vari kuda mishonga yema Anti Retroviral Drugs, ARVs yekudzikisa marwadzo anokonzerwa neutachiwona, vava kusvika mazana mashanu nemakumi manomwe ezviuru, kana kuti 570, 000 kubva pamazana matatu nemakumi mashanu ezviuru, kana kuti 350, 000.

Izvi zvava kuitwa mushure mekunge sangano reWorld Health Organisation rachinja marapirwo anofanira kuitwa vanhu vanorarama neutachiwona.

Pasati pava nemuitiro mutsva uyu, vanhu vaipihwa maARVs kana ropa ravo riine CD4, iyo inenge iri pasi pemazana maviri. Mutemo mutsva wava kuti munhu anorwara anofanira kutanga kurapwa kana CD4 count yake iri pasi pe 350.

Dr Tapuwa Magure ndivo Chief Executive ve National Aids Council. VaMagure vanoti mutemo mutsva uyu unobatsira kuti vanhu vabatsirwe hukasha hwehutachiona husati hwava kukonzeresa marwadzo mumuviri mevanorarama neutachiona.

XS
SM
MD
LG