Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Maviri neMakumi Mapfumbamwe neMumwe (291) Vofa neCovid-19 Mumazuva Manomwe


Vanhu mazana maviri ane makumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 291 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika mukati memazuva manomwe adarika.

Nemusi weSvondo bazi rezvehutano rinoti kwakafa vanhu gumi nevaviri vanova vashoma zvikuru zvichienzaniswa nemamwe mazuva ose. Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevana kana kuti 974.

Vanhu vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kuparira gore rapera vave zvuru makumi matatu nerimwe zvine vanomwe kana kuti 31, 007. Izvi zvinotevera kubatwa kwevanhu mazana mana nemakumi masere nevana kana kuti 484 nechirwere ichi neMugovera.

Vanhu vose ava vakatapurirwa chirwere ichi uye kuManicaland ndiko kune vanhu vakawanda akabatwa nechirwere ichi vanosvika zana nemakumi matatu nemumwe kana kuti 131.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi kusvika parizvino zviuru makumi maviri nerimwe zvine mazana matatu nemakumi manomwe nevanomwe kana kuti 21, 377 mushure mekunge vamwe vanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 297 vapora neMugovera.

Vanhu vachiri kurwara parizvino vave zviuru zvisere nemazana matahatu ane makumi mashanu nevatanhatu kana kuti 8,656. Harare neManicaland ndidzo nzvimbo dzine vanhu vakawandisa vari kurwara nechirwere ichi parizvino.

Manicaland yave pachidanho chechitatu pamatunhu ane vanhu vakawandisa vafa nechirwere ichi ichitevera Harare neBulawawayo. Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende VaTrevor Saruwaka vanoti havasi kufara kuti vakuru mubazi rezvehutano mudunhu ravo havasi kuvazivisa zvizere nezvedambudziko recoronavirus munharaunda mavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo vanhu vakawanda vari kurwara vari kumba, vakawanda vari kuda kunzwa kubva kuna vanachiremba kuti vangaite sei.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vakambotungamira chipatara cheChitungwiza cari munyori weZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland vanoti zvakakosha kuti vanhu vaende kuchipatara kana votadza kufema.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zvuru makumi masere nezviuru mazana mapfumbamwe nemumwe kna kuti 83, 901.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana masere kana kuti 2,8 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matanhatu kana kuti 1,6 million. North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi mmapfumbamwe nemasere ane zviuru mazana matranhatu kana kuti 98, 6 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zvuru mazana mana ane gumi nenomwe kana kuti 417, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nevana ane zviuru zvinomwe kana kuti 24, 9 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 1, 9 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mashanu nemana kana kuti 54 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG