Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Matatu neMakumi Masere neVatatu Vobatwa neCoronarivus


Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus munyika yose hwasvika pamazana matatu nemakumi masere nevatatu kana kuti 383. Vanhu vafa vachiri vana uye vapora vave makumi mashanu nevana kana kuti 54.

Kuwedzera kwehuwandu uhu kunotevera kubatwa nehutachiona kwevanhu makumi maviri nevanomwe vakabva kuSouth Africa nezuro.

Vanhu vavhenekwa kusvika parizvino vadarika zviuru zvishanasu nemakumi masere kana kuti 68.

VaItai Rusike vanotungamira sangano reCommunity Working Group on Health vanoti hurumende inofanira kusimbaradza nyaya yekuvheneka vanhu hutachiona hwecoronavirus.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matatu nemaviri kana kuti 232 000 vabatwa nechirwere checoronavirus muAfrica uye vashaya vadarika zviuru zvitanhatu nemazana maviri nemakumi mana nemana kana kuti 6, 244 vapora vanodarika zviuru zana nematanhatu kana kuti 106,000.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni manomwe nezviuru zvisere kana kuti kuti 7,8 million. Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika zviuru mazana mana nemakumi matatu kana kuti 430, 000. Vapora vachidarika mamiriyoni matatu nezviuru zvinomwe kana kuti 3, 7 million.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG