Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mazana Mapfumbamwe neMakumi Maviri neVana (924) Vofa neCovid-19 Mumavhiki Maviri Adarika Chete


Bazi rezvehutano rinoti neMugovera vanhu makumi masere nevapfumbamwe kana kuti 89 vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvitatu nemakumi mashanu kana kuti 3,050.

Vanhu mazana mana nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 462 vakashaya nechirwere mukati memazuva manomwe adarika hunova huwandu humwe chete hwevanhu vakafawo svondo rapera,

Izvi zvasiya vanhu vafa mumavhiki maviri vave mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevana kana kuti 924.

Vanhu chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 1, 591 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera wakare. Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi mapfumbamwe nemanomwe ne mazana maviri nemakumi manomwe nemanomwe kana kuti 97, 277

Vanhu chiuru chimwe nemazana matanhatu nemakumi mana nevaviri kana kuti 1, 642 vakapora zvasiya vabatwa nechirwere ichi vave zviuru makumi matanhatu nemana nemazana matanhatu nemakumi maviri nevasere kana kuti 64, 628.

Vanhu vachiri kurwara zviuru makumi maviri nemapfumbamwe zvine mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 29, 599.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana nemakumi matatu nemasere zvine mazana masere nemakumi mafumbamwe kana kuti 1, 438, 890. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Nhomba dziri kubayiwa munyika dzinoti Sinopharm neSinovac kubva kuChina, Sputnik V kubva kuRussia neCovaxin kubva kuIndia.

Vaimbova mukuru wechipatara cheChitungwiza Doctor Enoch Mayida vanoti zviri pachena kuti kubayiwa nhomba kunobatsira kudzivirira kuti munhu asagume ave muchipatara kana kufa nechirwere cheCovid-19.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG