Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Matatu neVana (34) Vofa neCovid-19 neChipiri Asi Nyanzvi Dzichiti Vakatowanda Kudarika Apa


Mumwe anotengeas mabhokisi ekuvigisa vanhu muHarare
Mumwe anotengeas mabhokisi ekuvigisa vanhu muHarare

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti neChipiri vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.

Uhu ndihwo huwandu hwakawandisa hwevanhu vafa nekubatwa nechirwere ichi muzuva rimwe chete kubva zvachatanga kupararira muna Kurume gore rapera.

Pavanhu vakashaya, gumi vari muHarare, vasere kuManicaland, vanomwe kuBulawayo, vatatu kuMashonaland West, vaviri kuMashonaland Central, vaviri kuMasvingo uye mumwe chete kuMash East nemumwe chete kuMidlands. Matunhu asina vanhu vakafa iMatabelaland North ne South chete.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika vave mazana mana ane mgumi nevasere kana kuti 418. Vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru gumi nezvinomwe zvine zana nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 17, 194.

Mashoko atiti kutambira anotiwo vatambi vechikwata cheFC Platinum vashanu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kuTanzania uko vari kutamba mutambo weCAF Champions League neSimba Stars. Vanhu vapora kuchirwere ichi vave zviuru gumi nechimwe zvine mazana masere negumi nevatatu kana kuti 11, 813.

Vanhu vachiri kurwara vave zvuru zvina nemazana mapfumbamwe ane makumi matanhatu nevatatu kana kuti 4, 963.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiroo vakurudzira vanhu kuti vatevedzere kurudziro yekuti vagare mumba, kupfea mamask uye kugeza mako kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira chipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vanoti huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere ichi hunogona kunge hwakatowanda pane hwakaziviswa nezuro uyu.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana masere kana kuti 2, 8 million vabatwa nechirwere checovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vasvika zviuru makumi matanhatu nemasere zvinemazana matanhatu ane makumi matatu nemumwe kana kuti, 68, 631. Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave mamiriyoni maviri nezvuru mazana matatu kana kuti 2,3 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muafrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi masere nematanhatu ane zviuru mazana mashanu kana kuti 86,5 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana matatu zvine makumi mashanu nermanomwe kana kuti 357, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nerimwe kana kuti 21 miillion.

Pasi rose vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1, 8 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi mana nemasere ane zvuru mazana mashanu kana kuti 47, 9 million.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG