Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVaviri Vanofa Mutsaona kuMasvingo


Vanhu gumi nevaviri vafira mutsaona yaitika kuMasvingo mangwanani nemusi weChishanu apo bhazi ranga richibva kuSouth Africa rakabonderana nerori yanga yakatakura donje yakananga kuBeitbridge.

Bhazi iri, reLuqrey Coach, rinonzi raroverana nerori iyi kwasara makiromita makumi masere nematatu kuti risvike mudhorobha reMasvingo richibva kuJohannesburg.

Vanhu gumi nemumwe vanga vari mubhazi iri, vanonzi vafira ipapo, uye munhu munwe chete azofira kuchipatara.

Mutauriri wemapurisa, VaAndrew Phiri, vanoti tsaona dziri kuramba dzichiitika mumigwagwa izvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda varasikirwe nehupenyu hwavo.

XS
SM
MD
LG