Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVashanu (15) Vofa neCovid-19 neMugovera


Vanhu gumi nevashanu kana kuti 15 vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika neMugovera vamwe mazana masere nenakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 839 vakabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave mazana mana nemakumu masere nevatatu kana kuti 483.

Vanhu vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kuparira gore rapera vave zvuru makumi maviri nemazana mana ane makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 20, 499.

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vave zviuru gumi bezviviri zvine mazana mana nemakumi matatu nevapfumbamwe kana kuti 12, 439 zvichitevera kupora kwevanhu mazana maviri nemamakumi mashanu nevashanu nezuro.

Vanhu vachiri kurwara vanosvika zvuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi manomwe nevanomwe kana kuti 7, 577. Kunyangwe muHarare nemuBulawayo muri imo mune vanhu vakawandisa vari kurwara, huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi mumatunhu ose hwawedzera zvave kutyisa kana nyanzvi munyaya dzezvehutano.

Mukuru mubazi rezvirwere zvekutapuriranwa Dr Portia Manangazira vanoti svondo rino hurumende iri kutarisira ongororo inobuditsa pachena kuti kufa nekubatwa kwevanhu nechirwere ichi kuri kukonzerwa nekamwe kamhando katsva kechirwere ichi kakabatwa kuSouth Africa neBritain uye kanzoni kanopararira zvakanyanya kana muvana.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu kana kuti 3 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica. Vanhu vafa vasvika zviuru makumi manomwe nemaviri zvine zana nemakumi maviri nerimwe kana kuti 72,121.

Vapora vadarika mamiriyoni maviri nezvuru mazana mana kana kuti 2,4 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu kana kuti 1,3 million.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi masere nemapfumbamwe ane zviuru mazana manomwe kana kuti 89, 7 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zvuru mazana matatu nemakumi manomwe nemaviri kana kuti 372, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemaviri kana kuti 22 miillion.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 1, 9 million. Asi vapora pasi rose vapora vachidarika mamiriyoni makumi mana nemapfumbamwe ane zviuru zvisere kana kuti 49, 8 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG