Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVapfumbamwe Vanofa Mutsaona yeMumugwagwa


Vanhu gumi nevapfumbamwe vashaya nemusi weChina munjodzi yemugwagwa mushure mekunge bhazi ravanga vari rabonderana nerhori muNorton.

Zvinonzi bhazi iri nderekwa Chawasarira uye ranga richienda kwaChivi. Vapona mutsaona iyi vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti mutyairi webhazi iri anga achimhanyisisa zvikuru.Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Zvinonzi tsaona iyi yaitika mushure mekunge bhazi iri raputika vhiri rekumberi ndokuponderana nerhori.

Zvinozviwo bhazi rekwaLofombo Bus Company ranga riri kumashure mebhazi rekwa Chawasarira, rabheuka panzvimbo iyi mushure mekunge mutyairi waro aedza kunzvenga tsaona yanga iri pamberi pake.

Zvinonzi pafa munhu mumwe chete mubhazi iri. Studio7 haina kukwanisa kutaura nemapurisa nezvenyaya iyi.

Tsaona iyi inoitika mushure metsaona mbiri dzakaitika pakutanga kwaNyamavhuvhu pakafa vanhu vanodarika makumi matatu.

Veruzhinji vanoti kusamira zvakanaka kwemigwagwa muZimbabwe ndiko kuri kukonzeresa tsaona idzi.

Mumiriri wePumula mudare reparamende, VaAlbert Mhlanga, avo vari mukomiti yezvekutakurwa kwezvinhu nyaya yemigwagwa netsaona inofanirwa kugadziriswa nechimbi chimbi.

XS
SM
MD
LG