Accessibility links

Breaking News

Vanhu anosvika zvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva munzana, kana kuti 57 percent, vanoti zviri nani kuti munyika muitwe sarudzo pane kuti hurumende yemubatanidzwa irambe iripo


Vanhu vanosvika zvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva munzana, kana kuti 57 percent, vanoti zviri nani kuti munyika muitwe sarudzo pane kuti hurumende yemubatanidzwa irambe iripo.

Izvi zvabuda muongororo yakaitwa ne Freedom House, iyo yakabvunzurudza vanhu chiuru nemazana maviri. Ongororo iyi inotiwo rutsigiro rweMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rwadzika kubva 55 per cent gore rapera, kusvika pa 38 percent gore rino. Ukuwo rutsigiro rweZANU-PF rwakanga rwuri pa 12 percent gore rapera, rwasvika pa 17 percent gore rino.

Kunyange hazvo rutsigiro rwe MDC rwadzikira, bato iri ndiro richiri pamberi pakutsigirwa nevanhu.

VaPromise Mkhwananzi vanoongorora zvematongerwo enyika. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMkhwananzi kuti tinzwe maonero avo.

XS
SM
MD
LG