Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanosangana neMutungamiri weBritain, Amai Theresa May, Uye VaJohnson


Nelson Chamisa Chatham House
Nelson Chamisa Chatham House

Mutungamiriri weMDC Alliance, Va Nelson Chamisa, vakasangana neChitatu nemutungamiri we Britain, Amai Teresa May mu London.

Va Chamisa vakasanganawo zvakare negurukota rinoona nezveAfrica, Va Boris Johnson.

VaChamisa vanga vari mu Britain vachiita misangano nezvizvarwa zve Zimbabwe pamwe nevakuru vakuru muhurumende yeBritain.

Va Chamisa vanga vachifanirwa kuburitswa pachirongwa che BBC che Hard Talk icho chionopakurwa na Stephem Sackur, asi chirongwa ichi chichazoburitswa rimwe zuva sezvo nhasi changa chichitaura nemutevedzeri wegurukota rezvekunze re Israel, Muzvare Tzipi Hotovely, zvichitevera kurwisana kuri kuitika pakati peIran ne Israel.

Va Chamisa nevamwe vavo vanotarisirwa kudzoka kumusha manheru eChina.

Mutauriri wa VaChamisa, Va Luke Tamborinyoka, vanoti rwendo rwa Va Chamisa rwakazadzisa chinangwa chavo uye kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain zvinotsigira bato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Tswaane University ku Pretoria ku South Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanoti matauriro aVa Chamisa anofanirwa kuratidza kuti havasisiri munhuwo zvake sezvo vave mutungamiri webato.

VaMukonza vatiwo rwendo rwaVaChamisa kuBritain wanga uri mukana wekuti VaChamisa nevamwe vavo vazvizivise kupasi rose kuti ndivo vave panyanga zvichitevera kushaya Va Morgan Tsvangirai muna Kukadzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG