Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba, VanaMukoti neVamwe Vashandi veHurumende Voratidzira Svondo Rino


Vanachiremba, vana mukoti nevamwe vashandi vemubazi rezvehutano vari pasi pesangano reHealth Apex Council vanoti kutanga svondo rino vanenge voshanda mazuva mashoma sezvo hurumende iri kukundikana kugadzirisa nyaya yemari dzavanotambira pamwedzi.

Vashandi ava vakatosuma bazi rezvehutano nenyaya yekuti vanogona kutanga kuramwa mabasa kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa.

Mutauriri weHealth Apex Council VaPanganai Chivese vanoti mari yemaRTGS iri kuramba ichishaya simba uye vave kuda kuti vapihwe pachitariswa kuti mari iyi inenge iri marii pamusika wemumabhanga kana kuti interbank rate.

Hurukuro naVaPanganai Chivese
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Kunyangwe hazvo gurukota rezvehupfumi Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuti hurumende iri kusara nemari yakawanda pamwedzi, zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvashandi vayo nenyaya yekushaya simba kwemari yertgs yavari kutambiriswa

Tichiri panyaya iyi, mutungamiri wePTUZ Doctor Takavafira Zhou, rimwe sangano revarairidzi vatiwo vari kuronga kubatanidza masangano evarairidzi ose kuti varatidzirewo nenyaya yemari dzavari kutambiriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

PTUZ nevamwe vashandi vehurumende vasiri mubazi rezvehutano vari pasi perimwe gungano rinonzi Apex Council.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvemabasa Amai Sekai Nzenza vati vange vari mumusangano weInternational Labour Organization kuGeneva, Switzerland.

Zvichakadaro, vashandi vekambani yeZESA vari kurongawo kuramwa mabasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG