Accessibility links

Breaking News

Vana Makumi Mashanu neVasere (58) Vobatwa neChirwere cheCovid-19 paChinhoyi High


Huwandu hwevana vabatwa nechirwere cheCovid-19 pachikoro cheChinhoyi High kuMashonaland West hwakwira kusvika pamakumi mashanu nevasere.

Mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vatenda kuti huhwandu uhu hwakwira zvakanyanaya.

Izvi zviunoteveras kuvhenekwa kwevana vechikoro mushure mekunge mumwe mwana musikana abatwa nechirwere ichi neMugovera svondo rapera.

VaMasoja vati vana ava parizvino vari kuongororwa vari pachikoro nevashandi vebazi rezvehutano asi vanengev ave kuratidza kurwara vanoendeswa kunochengeterwa vari kurwarisa kana kuti Isolation
Centre iri pakiriniki yekanzuru yeMuzari.

Dr Masoja vati kubatwa kwevana ava nechirwere ichii hakusi kukanganisa bvunzo sezvo avo vabatwa nechirwere cheCovid-19 vari kunyora vari pakasiyana nevasina kubatwa chirwere. Vana vanodzidza
vachibva kumba vari kunyora bvunzo vari vegawo.

Izvi zvatsigirwa nemukuru webazi rezvedzidzo mudunhu reMashonalannd West VaGabriel Mhuma avo vanoti parizvino hapana mwana ave kurwara zvakanyanya.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe-PTUZ-VaRaymond Majongwe vanoti dambudziko iri rakakonzerwa nehurumende yakataurirwa asi ikaisa zvimiti munzeve.

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vakaudza Studio 7 kuti hurumende yakagadzirira uye zvikoro zvinofanira kutevedzera kurudziro dzavari kupa vakabatana nebazi rezvehutano.

Kubatwa kwevana ava nechirwere cheCovid-19 kunoteverawo kubatwa kwevana zana nemakumi maviri nevaviri pachikoro cheJohn Tallach Secondary mudunhu reMatebeleland North nevamwe vadzidzi vanomwe pachikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology masvondo maviri apera.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG