Accessibility links

Breaking News

VaMzila-Ndlovu Vanosungwa neMapurisa kuLupane


Rimwe remakurukota ebazi rezvekupodza maronda nekugarisana kwakanaka munyika, VaMoses Mzila Ndlovu, vasungwa neChishanu nemapurisa vachipomerwa mhosva yekushoropodza hurumende pamusangano wakaitwa nemusi weChitatu ku Lupane mudunhu reMatabeleland North.

VaMzila-Ndlovu vanonzi vasungwa mangwanani pa roadblock kuLupane, apo vanga vachienda kumusangano wekuzeya zviri kuitika muchirongwa chekugarisana zvakanaka kuVictoria Falls.

VaMzila-Ndlovu vanonzi vanga vachifanirwa kunoudza musangano uyu pasvika bazi ravo munyaya dzekuregererana munyika. Sangano reBulawayo Agenda, iro ranga richifanirwa kupindawo mumusangano uyu, rinoti musangano uyu wakanzurwa zvichitevera kusungwa kwaVaMzila-Ndlovu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, kanawo gweta raVaMzila-Ndlovu.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube mudunhu reBulawayo, VaEdwin Ndlovu, vanoti VaMzila-Ndlovu vanzi vachagara muchitokisi kusvika svondo rinouya.

XS
SM
MD
LG