Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vopinda Zvakare Mudare neMuvhuro


Mumiriri weNyanga North muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vachange vari mhusungwa kusvika Muvhuro zvichitevera kunyimwa kwavaita mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaMwonzora, avo vanova mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, vakasungwa nemusi wechipiri muHarare vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kwaNyamaropa.

Mapurisa anonzi akasungawo nhengo dzeMDC makumi maviri neina nemusi weSvondo kwaNyamaropa kwakare, uye nhengo idzi dzaswera dziri kumatare dzakamirira kusvika kwaVaMwonzora.

Studio7 haina kutaura negweta riri kumirira VaMwonzora, kanawo mapurisa kuti tinzwe kuti nyaya iyi yava papi.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyaya yaVaMwonzora ichanzwikwa mudare neMuvhuro.

VaMwonzora nevamwe vavo vamwe vevanhu veMDC vari kusungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva dzakasiyana siyana.

Mutauriri veMDC mudunhu reManicland, VaPishayi Mucharauya, vanoti mapurisa ari kusunga nhengo dzebato ravo achisiya vatsigiri veZanu Pf vari kukonzera mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG