Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votora Divi paGakava Riri muDRC


VaMugabe vakati vachaita zvese zvavanogona kutsigira VaKabila uye kuti vekunze vasapindire muhurumende yavo. VaMugabe ndivo vega mutungamiri wenyika dzemu Africa kana pasi rose ainga ari pakugadzwa kwaVaKabila nezuro.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapindira munyaya dzesarudzo dzeku Democratic Republic of Congo vachitora mativi pakati pemapato ari kupokana.

Vachitaura pakugadzwa kwaVaJoseph Kabila semutungamiri wenyika iyi, mushure mesarudzo dziri kunzi dzaive nemhirizhonga inotyisa, vakati vachaita zvese zvavanogona kutsigira VaKabila uye kuti vekunze vasapindire muhurumende yavo.

Zimbabwe yakambopindira munyaya yehondo yeku DRC vachibatsira mushakabvu baba vava Kabila, VaLaurent Kabila, muna 1998 kurwisa vamwe vaida kuvabvisa pachigaro.

Vakaongorora sarudzo idzi, vanosanganisira veCarter Centre, vanoti sarudzo idzi dzanga dzisina kuchena.

Mutungamiri webato rinopikisa mu DRC, Va Ettiene Tshisekedi, avo vakakwikwidzana naVaKabila, vanoti ndivo vakakunda saka vari kuda kuzvigadzawo pachigaro.

VaMugabe ndivo vega mutungamiri wenyika dzemu Africa kana pasi rose ainga ari pakugadzwa kwaVaKabila nezuro.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti dambudziko riri muDRC rinoratidza kuti nyaya dzekumbunyikidza vanhu nekuda kutonga zvine chisimba zviri kudzikira mushure mekunge VaKabila vashaya vatungamiriri vazhinji vasina kuuya kunovatsigira.

Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition VaMcdonald Lewanika vanoti mashoko aVaMugabe anoratidza kuti havana chavanoziva pamusoro pesarudzo dzakachena.

XS
SM
MD
LG