Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoenda kuSingapore Kunorapwa


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasimuka munyika zvechimbi chimbi neMuvhuro mangwanani vachienda kuSingapore kunoongororwa hutanu hwavo navana chiremba.

Nechikonzero chekuti vachange vasipo neChipiri, rinova zuva rinoitwa musangano wedare remakurukota, VaMugabe vadaidzira musangano uyu kuti uitwe neMuvhuro vasati vasimuka.

Makurukota apinda mumusangano uyu anoti VaMugabe vagara mumusangano uyu kwenguva inosvika maminetsi makumi matatu chete ndokubva vaoneka.

Mumwe wevatevedzeri vavo, Amai Joyce Mujuru, ndivo vazopedzisa musangano wedare remakurukota vachiutungamira sezvo VaMugabe vange vaenda.

Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMugabe vari kuenda kuSingapore kunoongororwa hutanhu hwavo sezvinotarisirwa munhu anenge achirapwa, kana kuti routine medical check-up.

VaMugabe vanonzi vachadzoka mukupera kwesvondo, uye Amai Mujuru ndivo vachange vakabata matomu.

VaMugabe vaenda kakawanda mumimwedzi yapfura ku Singapore uko vari kurapwa. Vane ruzivo nezvehutano hwavo, kusanganisirawo mashoko akaburitswa neWikiLeaks, vanoti VaMugabe vane chirwere chegomarara, asi hofisi yavo iri kuramba mashoko aya.

Nguva zhinji VaMugabe vanobuda munyika chinyararire, asi rwendo rwavo rwuchizoziviswa veruzhinji vava kudzokera kumusha.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvaitwa nehurumende rwendo rwuno zvekuburitsa pachena rwendo rwaVaMugabe, chinhu chakanaka chose, sezvo zvinenge zvichiitika pane mutungamiri wenyika zvichifanirwa kuziviswa veruzhinji.

Imwe nyanzi mune zvematongero enyika inodzidzisa paUniversity of Huddersfield kuBritain, VaNkululeko Sibanda, vanoti chinhu chakanaka chose kuti hofisi yemutungamiri wenyika igare yakazivisa veruzhinji zvinenge zvichiitika kumutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG