Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanosvitsa Makore Makumi Masere neManomwe


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa neMuvhuro makore makumi masere nemanomwe ekuberekwa.

VaMugabe vakaberekwa muna 1924 musi wa 21 Kukadzi. VaMugabe vanopemberera kusvitsa kwavo makore aya vari munhu ari kunetsekana nehutano hwavo. VaMugabe vakadzoka munyika neSvondo, vachibva kuSingapore uko vakanga vaenda kunorapwa maziso.

Mwedzi wapera zvakare, venhau vaiburitsa nyaya dzekuti VaMugabe vainge vaenda kunorapwa kuSingapore apo vakanga vari pazororo.

Asi mutauriri wehurumende, VaGeorge Charamba, kusanganisirawo iwo VaMugabe pachavo, vakaramba kuti VaMugabe vainge vamborapwa kuSingapore. Asi VaCharamba vakazobvuma kuti VaMugabe vakange vaenda kunoongororwa ziso ravo zvichitevera kuoparetwa ziso kwavakanga vaita vari pazororo.

Mabiko ekupemberera kusvitsa makore makumi masere nemanomwe kwaVaMugabe achaitwa neMugovera muHarare.

Vanhu vakawanda vanoti VaMugabe vakwegura, nokudaro vanofanirwa kuchisiya basa ravo rekutungamira nyika.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vanoti zvinhu zvinofadza kuti VaMugabe vasvitsa makore aya, asi chinhu chinenge chakanaka kuti vachienda pamudyandigere, sezvo vakura.

XS
SM
MD
LG