Accessibility links

VaMugabe Vanoenda kuSingapore Kunotora Mudzimai Wavo Grace

  • Sandra Nyaira

Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vakadzokerazve kuSingapore kanova kechishanu mumwedzi mina.

VaMugabe vanonzi vakaenda kunotora mudzimai wavo Amai Grace Mugabe avo vanonzi vakadonha vakakuvara mumba yekugezera.

Asi pepanhau reDaily News rinoti Amai Mugabe vari kuChina uku vari kuita zvidzidzo zvepamusoro.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemunyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va George Charamba, avo vanotaura vakamirira VaMugabe, kuti tinzwe zviri kuitika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti hofisi yaVa Charamba inofaniraw kuudza vana veZimbabwe zvizere pamusoro pezviri kuitika mumba memutungamiri wenyika nekuti vanochengetedzwa nemari yenyika.

XS
SM
MD
LG