Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanodoma Zvakare Vega Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa


Zimbabwean President Robert Mugabe addresses his supporters at the party's conference in Mutare, east of Harare, 17 Dec 2010
Zimbabwean President Robert Mugabe addresses his supporters at the party's conference in Mutare, east of Harare, 17 Dec 2010

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadoma zvakare mumiriri weZimbabwe muSouth Africa vasina kugara pasi nevamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa.

Vadomwa naVaMugabe ndaVa Phelekezela Mphoko, avo vari kutora basa ranga richiitwa naVaSiman Khaya Moyo, sachigaro weZanu PF.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanova zvakare muyananisi wegakava riri pakati paVaMugabe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vari kutarisirwa kugashira VaMphoko semumiriri mutsva weZimbabwe svondo rino.

VaMoyo vakadaidzwa kumusha nebato ravo kuitira kuti vafambise mabasa ebato mugadziriro yaro yesarudzo dzingangoitwa gore rino.

MDC inoti haisi kufara nezvaitwa naVaMuugabe, uye inoti zvinotyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement, icho chakashandiswa muhwaro hweConstitutional Amendment Number 19, iyo inokomedza kuti VaMugabe vagare pasi nevamwe vavo muhurumende pose pavanodoma vanhu kuti vatore zvigaro zvepamusoro muhurumende.

Nepamusana pehumbimbindoga hwaVaMugabe, VaTsvangira vakakwidza kumatare edzimhosva nyaya yekutyorwa kwete GPA naVaMugabe, vachida kuti matare ape mutongo unorambidza VaMugabe kuita humbimbindoga. Matare haasati apa mutongo wawo panyaya iyi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo haritambiri zvaitwa naVaMugabe uye richanyorera VaZuma richipikisa kudomwa kwaVaMphoko.

XS
SM
MD
LG