Mutungamiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vanoti hachisi chokwadi kuti hurumende yavo haisi pamutemo sezvakataurwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
VaMugabe vakaudza SABC kuti vakabviswa pachigaro nemauto, uye vanonzwa kurwadzikana zvikuru nekupandukirwa nemunhu wavakachengeta kwenguva yakareba.
Asi VaMnangagwa vanoti vakapinda muhofisi yavari zviri pamutemo sezvo VaMugabe vakasiya basa vega, uye havasi kuzodzokera shure.
Vanotwo chavachaita kuita kuti VaMugabe vawane mari dzavo dzemudyandigere sezviri mubumbiro remitemo yenyika, asi nyika yakatogamuchira zvekusiya kwavo basa zviri pamutemo.
Nyanzvi munezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa zvematongerwo enyika pa University of Pretoria, Doctor Tyanai Masiya, vanoti kunyange pakashandiswa chisimba nemauto kubvisa VaMugabe, pasi rose rakanga risingachadi nezvavo saka hapana zvingaitike zvingavadzosere muhofisi yehutungamiri hwenyika.
Vatiwo shungu dzaVaMnangagwa dzava dzekuti kuendwe kusarudzo nekuchimbidza kuti vagone kuwana hurumende inosarudzwa nevanhu.
Facebook Forum