Accessibility links

Breaking News

Kariba Hydro Power Station Yovandudzwa Kuti Iwedzere Moto weMagetsi


KARIBA DAM
KARIBA DAM

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura kutanga kushanda kwezvigayo zvemagetsi ku Kariba muchirongwa chekuvandudzwa kwemagetsi munyika.

Chigayo ichi chiri kutarisirwa kugaya mazana matatu ema megawatts, izvo zvichabatsira kupedza dambudziko rekushaikwa kwemagetsi munyika nekuti Zimbabwe inotenga kune dzimwe nyika dzakaita se Mozambique ne South africa.

VaMnangagwa vati vari kufara nekuti basa iri rasvika parasvika vachiti zvichatapudza kubuditswa kwemari kunze vachitenga magetsi.

Nyanzvi mune zvemhando dzemoto dzinoti ichi chirongwa chakanaka asi chinongobatsira zvishoma shoma nekuti makambani akavhurwa patsva munyika, pachada zvakare kuwedzerwa mamwe magetsi.

Vaimbove gururkota rezvezvicherwa nemhando dzemoto, VaElton Mangoma, vanoti kuvandudzwa kwemagetsi kuKariba kwaifanirwa kunge kwakaitwa kare kare. Vatiwo hazvina kukura zvakanyanya zvingatode kupembererwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG