Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voita Musangano neZvizvarwa zveZImbabwe Zviri kuQatar.


Emerson Mnangagwa
Emerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, Va Emerson Mnangagwa, vaita musangano nezvizvarwa zveZimbabwe zviri mu Qatar, uko vanga vachishanya.

VaMnangagwa vanonzi vakurudzira zvizvarwa izvi kuti zvidzoke kumusha kuzobatatsira kusimudzira hurumende itsva zvichitevera kubviswa kwakaitwa VaRobert Mugabe pachigaro gore rakapera.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuQatar zvinotiwo zvinoda kuona kuti mashoko aVaMnangagwa haangopereri mukutaura chete here.

Vari muQatar, VaMnangagwa, avo vari kutarisirwa kusvika kumusha neMugovera, vakasaina zvinbumirano zvakati kuti nehurumende yemu Qatar.

VaMnangagwa vanga vachiperekedzwa nemakurukota anosanganisira remari, Va Patrick Chinamasa, rezvekurima, Va Perrence Shiri, nerezvicherwa, Va Winston Chitando avo vakaitawo misangano nemakurukota eku Qatar.

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vapindawo mimwe misangano nevemabhizinesi nemabhanga.

Muongorori wezvehupfumi vachishanda nesangano re Percycon Global Fund Managers, Va Pesistence Gwanyanya, vanoti nguva yanga yareba zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka munyika, saka hurumende dai yagona kuvaka hukama nedzimwe nyika dzine mari dzakaita se Qatar kuti dzizodyarawo mari munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG