Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Vanoshaora Bhajeti raVaBiti Vachiti Harina Hudzamu


Vaimbove gurukota rezvemari uye mutungamiri webato reMavambo, VaSimba Makoni, vanoti bhajeti rakaturwa muparamende negurukota rezvemari, VaTendai Biti, richashaya
mutsindo nekuti vari kuedza kufadza munhu wese asi nyika isina mari inokwanisa kuita zviri kudiwa nehurumende

Vachitaura nevatori venhau neChishanu, VaMakoni vati VaBiti vakagona kutsanangura mamiriro akaita hupfumi hwenyika, asi havana kunyatso kupa gwara rekuti chii chingaitwe mune ramangwana pakuvandudza hupfumi hwenyika.

Vatiwo VaBiti havana kutsanangura mubhajeti ravo kuti Zimbabwe ichagadzirisa sei nyaya yechikwereti chenyika icho chave kusvika pamabhiriyoni gumi emadhora.

VaMakoni vatiwo kuwedzerwa kwemitero kune vane migodhi kuchaomesera vane mabhizimisi aya uye hazvina kunaka kuti makambani akwidzirwe mitero asi iyo hurumende ichingoshandisa mari pazvinhu zvisna maturo zvakaita sekupedzera mari mukufamba nendege sezviri kuitwa
nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mumwe wevakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, Va Callisto Jokonya, vanoti zvekuti hupfumi hukwire zvinokwanisika nekuti Zimbabwe ine zvicherwa uye minda inogona kushandiswa kuitira kuti hupfumi hwenyika hukure. VaJokonya vanoti vanotambira bhajeti rakaturwa naVa Biti.

VaMakoni vatiwo kusabuda pachena kwemari yesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya mubhajeti raVaBiti kunoreva kuti vatungamiri vehurumende yemubatanidzwa vazviona kuti nyika haikwanisi kuita sarudzo pari zvino.

Kunyange hazvo VaMakoni vasiri kufara nebhajeti raVaBiti, MDC-T inoti inotsigira hurongwa hwebhajeti iyi sezvo huchipa tarisiro yakanaka kuvanhu vose vari munyika…

Ukuwo sangano re UNICEF rinotiwo rinofara nebhajeti yaVaBiti sezvo iri kutora matanho mukugadzirisa zvimhingamupinyi munyaya dzehutano pamwe nedzidzo.
Rwendo rwuno bhajeti raVaBiti rakawedzera mari mumapazi edzidzo nerezvehutano.

VaBiti vakatura bhajeti remabhiriyoni mana emadhora iro vanoti rakanangana nekusimduzira dzidzo, mabasa ekurima, zveutano pamwe nekuwanira veruzhinji mabasa.

Mune imwewo nyaya, VaMakoni vashorawo zvakaitwa neBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, zvekupa marezenisi enhepfenyuro kumakambani maviri akarerekera kuZanu PF anoti AB Communications yaVaSupa Mandiwanzira pamwe neZimbabwe Newspapers.

VaMakoni vati veruzhinji havafaniri kuora moyo nezvakaitwa neBAZ nekuti nguva yekuti Zanu PF ichienda yave kukwana uye zvakaitwa neBAZ zvichagadziriswa.

XS
SM
MD
LG