Accessibility links

Breaking News

VaMajonga Vanoti Vakaremara Vasagarire Maoko Avo


Vaimbova mushamarari ane mukurumbira ku Zimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, VaGodfrey Majonga, avo vava sachigaro veZimbabwe Media Commission, vanoti hurema haufanire kukanganisa munhu kuita zvaanenge achida kana kusvika paanoda muhupenyu.


VaMajonga, avo vakaita mukurumbira wekushamarara nyika ichangowana kuzvitonga kuzere, vakakuvara zvakaipisisa mutsaona yakaitika muna 1988 nenguva dzehusiku. VaMajonga, avo vane makore makumi mashanu nematatu ekuberekwa, vanoti tsaona iyi yakavakanganisa zvikuru pamashandiro avo.

Chinosuwisa panyaya yaVaMajonga inyaya yekuti havakwanisi kunyatsotaura kuti chii chakanyatsoitika kwavari. VaMajonga vanoti ivo havarangaririre zvakaitika, kunze kwekuudzwa nevanhu vavaiva navo vakaona zvakaitika, kuti ndizvo zvakaitika kwavari.

VaMajonga, havakwanisi kushandisa makumbo avo, asi maoko vanokwanisa kuashandisa zvishoma. Vanofamba ne wheel chair yemagetsi. VaMajonga, avo vane mudzimai nevana vatatu, vanoti pavakawirwa netsaona iyi, hama neshamwari dzavo vakavhunduka zvakanyanya.

VaMajonga, avo vanoriritira amai vavo vari kumusha kwaMurehwa, pamwe nedzimwe hama dzinopfuura sere, vanoti zvakakosha kuti vakaremara vave nechivimbo chekukunda muhupenyu, kwete kuramba vachizvishora kana kunyara kuzvisimudzira pane vanhu.

Sasachigaro wekomisheni inopa marezenisi kuvatori venhau, uye vaine donzvo rekuunza shanduko munyaya dzekutorwa nekuburitswa kwenhau, VaMajonga vanoti vakambotya pekutanga kunyorera basa iri, asi iye zvino vari kushingaira zvikuru kuti zvinhu zvinake.

VaMajonga ndivo zvakare mutevedzeri wemutungamiri wechikoro chevakaremara cheDanhiko. VaMajonga vanoti zvehutungamiri zvinouya kwavari, vanozviona semukana wekukurudzira vamwe vakarema.

Vaimbove sachigaro veZimbabwe Union of Journalists, VaMatthew Takaona, avo vave kushanda pamwe chete naVaMajonga sakomishina, vanoti mashandiro emukuru uyu anoratidza kuti vari kuziva zvavari kuita, zvisineyi nekuti vakaremara.

Mutungamiri weDanhiko, Baba Phone Kufakwedeke, avo vane makore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa, vanoti vemumhuri vanofanira kuramba vachiyeuchidzwa kuti hutangamiri hunogona kusvika pana ani zvake, kunyange pane akaremara.

VaMajonga vanoti shuviro yavo ndeyekuti munyika muve nekutorwa nekuburitswa kwenhau kunoitwa nehunyanzvi mukati. Vanotiwo vanodawo kuona vatori venhau vachiwedzera ruzivo rwavo mumabasa avo, kuitira kuti vatori venhau ava, vave maziso echokwadi eruzhinji rwenyika.

XS
SM
MD
LG