Accessibility links

Breaking News

VaLawrence Simbarashe “Mudhara Bhonzo” Vochemwa neVakawanda


Nyanduri Chirikure Chirikure
Nyanduri Chirikure Chirikure

Mumwe wevatambi vakaita mukurumbira muZimbabwe nezvemitambo kana kuti madrama nekushamarara, VaLawrence Simbarashe, vainyanyozivikanwa ne zita rekuti “Mudhara Bhonzo” vakashaya nemusi weMugovera kuchipatara chikuru cheChitungwiza mushure mekurwara kwenguva yakareba.

Mumazuva avo vakapinda mumitambo ye paradio neyepaterevhizheni munyika nekunze inosvika gumi nemishanu kusanganisira ‘King Solomon’s Mines" ne "Flame" dzakaita mukurumbira wakakura.

Vakanyanyo zivikanwa munyika ne mutambo wainzi "Timmy na Bhonzo" ne mimwe yekushambadza doro re Black Label nezvimwe.

Hatisati taziviswa hurongwa hekuradzikwa kwavo asi vanhu vakaungana pa 544 St Mary”s Chitungwiza. Vamwewo vari mubasa rezvemitambo, izvi vanoti varasikirwa zvikuru ne mumwe wevakashingirira zvikuru kusimudza mureza we nyika mubasa rezvemitambo iri.

VaChirikure Chirikure, mumwe wevanozivikanwa zvikuru mumabasa ezvemitambo vachidetemba nekuimba, vanoti dambudziko guru nderekuti hakuna masangano anomiririra vatambi kuti vabatsirikane munguva dzematambudziko, kurwara kana kufa.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti VaSimbarashe vainge vonetseka zvikuru mumazuva ekupedzisira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG