Accessibility links

Breaking News

Mangoda ekwaMarange Otaurwa kuSt Petersburg kuRussia


Musangano we World Diamond Council wepagore wakatanga neMuvhuro mu St Petersburg ku Russia, uko nyaya yemangoda ekwaMarange iri kukurukurwa nezvayo nemusi weChina.

Kimberly Process iri kutarisirwa kuvhota kuti Zimbabwe yopihwa mvumo here kana kuti kwete yekutengesa mangoda ekwaMarange.

Vazhinji vari kupinda mumusangano uyu vanonzi vari kuwirirana kuti dai Zimbabwe yabvumidzwa kutengesa mangoda ayo. Mumiriri weZimbabwe mu Russia, Va Happyson Muchechetere, vanonzi vakataura pamusangano uyu neMuvhuro vachikurudzira nhengo dze KP neWorld Diamond Council kuti dzipe Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo.

Mutungamiri we International Diamond Manufacturers, Va Moti Ganz, vanonzi vaudza musangano uyu kuti mangoda ekwa Marange akachena, nokudaro anofanira kutengeswa pamisika yepasi rose.

Kimberly Process yakatadza kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ekwaMarange, kunyange hazvo nhumwa yesangano iri kuZimbabwe, VaAbbey Chikane, vakanyora gwaro rinokurudzira kuti mangoda ekwaMarange atengeswe.

Va Dewa Mavhinga vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, uye vari kutevera zviri kuitika pamangoda ekwaMarange. Va Mavhinga vanoti pane zvizhinji zvinoda kuitwa Zimbabwe isati yaphiwa mvumo yekutengesa mangoda ayo.

XS
SM
MD
LG