Accessibility links

Breaking News

Kusaenderera Mberi neDzidzo kweVana Vakawanda Korwadza Vakawanda Munyika


Vanhu vakawanda vari kuratidza kutsutsumwa nemashoko ekuti gore roga-roga pane vana vanosvika zviuru mazana matatu vanosiya zvikoro nechikonzero chekushaya mari yedzidzo.

Mashoko aya akataurwa negurukota rinoona nezvevechidiki nekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaFrancis Nhema, vachitaura pamhemberero dze Day of the African Child neMugovera kuHarare.

VaNhema vakatiwo kunyange hazvo vamwe vevana ava vari vanenge vakundikana mubvunzo dzavanonyora, vakawanda vacho vanenge vashaya mari yekuenderera mberi nedzidzo.

Vakatiwo iri idambudziko rinofanirwa kugadziriswa nekukurumidza. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, sezvo foni yavo yanga isingadairwe.

Hatinawo kubata VaNhema kuti tinzwe zvakanyanya pamusoro pemashoko avakataura.

Asu nunwe nybereki, VaRobson Gambiza, avo vane vana vatatu, vanoti havasati vabhadara mari yechikoro yevana vavo.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanotiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro sezvo vabereki vakawanda vari kutadza kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.
XS
SM
MD
LG