Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Kugadzikana kweHupfumi Hakuna Zvakuri Kubatsira Varombo


VaMthuli Ncube kurudyi

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvirongwa zvehurumende zvairi kuparura ichiti zviri kusimbisa hupfumi hwenyika, zviri kutopa kuti varombo vanyanye kushupika.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, naGavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vakaparura zvirongwa zvavo zvemafambisirwo emari nehupfumi asi vachivimbisa kuti havasi kubuda mugwara ravari sezvo vachiti rinodzikamisa hupfumi.

Zvirongwa izvi zvakatambirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi asi dzichiyambira kuti zvirongwa zvehurumende zvakawanda zvinenge zviri kusiya varombo vachinonga svosve nemuromo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti zakaturwa naVaMangudya zvakanaka chose panyaya yekusadhinda mari yakawanda uye kuwanise mari makambani kuburikidza nemusika wemari.

Asi vakurudzirawo hurumende kuti iwedzere vashandi mari vachiti izvi ndizvo zvinosimudzira hupfumi hwenyika.

Mashoko aya atsinhirawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, avo vanoti hurumende yakwanisa kudzikamisa mitengo, dhora remunyika nekusimudzira zvigadzirwa kumaindustry asi vachitsinhirawo nyaya yekuti vashandi vabhadharwe mari dzinovakwanira kuti vakwanise kutenga zviri kugadzirwa kumaindasitiri zvacho.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vatiwo VaNcube vanofanira kuendesa mari kuzvirongwa zvekubatsira varombo munyaya dzedzidzo uye hutano sezvo vakawanda vari kutatarika nekuda kwekunzi vagare mudzimba vasingashande nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura kumarinda eHeroes Acre nezuro, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatiwo chinangwa chavo ndechekuti Zimbabwe inge yave nyika ine vashandi vakati wandei vanotambirawo mari dziri nani kana kuti upper middle-class economy mugore ra2030.

Zimbabwe inoti iri kutarisira kuti hupfumi huchakwira nekuda kwegoho rakanaka regore rino asi nyaya yekupararira kwechirwere cheCovid-19 inonzi inogona kukanganisa zvakanyanya hupfumi sezvo vanhu vakawanda vasiri kuenda kumabasa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG