Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanoti Havasi Kuzodzokera Shure neChirongwa Chekuendesa Hupfumi kuVatema


Gurukota rinoona nezvevechidiki nekuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vanoti ivo havasi kuzoteerera zviri kutaura nevamwe muhurumende yomubatanidzwa vachiti vachiita chero chipi chavanogona kuitira kuti makambani asiri ezvizvarwa zveZimbabwe ape zvikamu zvawo zvehupfumi kuvanhu vemunyika.

Vachitaura kuzviuru zvevadzidzi paGreat Zimbabwe University neChina kuMasvingo, VaKasukuwere vati hurumende yakatora minda nenzira dzakasiyana siyana, nokudaro vachaita zvose zvavanogona kuti chinangwa chavo chizadziswe.

VaKasukuwere vati mitemo yavo yekupa zvikamu zvemakambani kuvatema yakanaka zvikuru kudarika chibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA.

VaKasukuwere vatiwo vamwe vanhu vakashora kutorwa kwakaitwa minda, asi izvi hazvina kubatsira nekuti chakakosha ndechokuti ikozvino vanhu vava neivhu ravo ravakanga vatorerwa.

Gurukota iri rati zviwanikwa zvose zviri pakati perwizi rwaZambezi neLimpopo ndezvevana vemuZimbabwe nokudaro kana pane vasingadi zviri kuitika munyika, vanofanira kunyarara.

Asi VaKasukuwere vati ivo nyaya yekutora zvimwe zvikamu mumigodhi yakatopera uye vava kunangana nevemabhangi kuti vatevedzere mitemo yenyika.

Pasi pemutemo wenyika wekuendesa hupfumi kuvatema, makambani evekunze anosungirwa kupa zvimwe zvikamu zvinosvika makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema vemunyika.

Mashandisirwo emutemo uyu ari kutsoropodza zvikuru neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, ichiti uri kushandiswa mukupfumisa vanhu ve Zanu PF chete, kwete nyika yose.

MDC inoti mutemo uyu pamwe nezviri kuitwa naVaKasukuwere hazvivaki sezvo zvichidzinga vanoda kuzoita mabhizimusi munyika.

VaKasukuwere vashamisa vazhinji apo vati vose zvizvarwa zvenyika vari kuchera zvicherwa zviri kunze kwemutemo, vaya vanonzi makorokoza, havafaniri kusungwa.

Vati ivo zvinoitwa nemakorokoza hazvisungisi uye vachaita zvose zvavanogona kuti vasasungwa kuitira kuti vanhu vawane nzira yekurarama nayo.

Gurukota iri ratiwo svondo rinotevera ivo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachaenda kuMatebeleand South uko vachanotora zvikamu kubva kumigodhi iriko.

Vati mushure mokuenda kuMatabeleland South vachazoenda zvakare kuminda yemangoda kuManicaland uko vanoti vachaiita zvimwe chete zvo.

Vachitaurawo pagungano iri, vakafanobata chigaro chemukuru weGreat Zimbabwe University, Professor Obert Maravanyika, vakurudzira vadzidzi kuti vakoshese pamwe nekutsigira basa riri kuitwa naVaKasukuwere.

XS
SM
MD
LG