Vanhu vakawanda vane pfungwa dzakasiyana siyana nekushanya kwasachigaro wevechidiki mubato reAfrican National Council, ANC, yemuSouth Africa, VaJulius Malema muZimbabwe.
VaMalema vasvika muZimbabwe neChishanu vaine chinangwa chekusangana nebato reZANU-PF.
Kunyange hazvo ZANU-PF iri kufara nerwendo rwaVaMalema, chimwe chikwata che ZINASU chinotsigira kuti bumbiro remitemo rinyorwe nehurumende, chinoti VaMalema hapana zvavanogona kuudza vechidiki veZanu PF sezvo pasina zvavari kuita kunyika yavo.
Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muSouth Africa, Va Sibanengi Dube, vanoti bato ravo harisi kufara nemashoko ekuzvidza MDC akataurwa naVaMalema.
Vanotiwo VaMalema vanofanirwa kushanyira MDC kana vari muZimbabwe, kwete kungosangana neZanu PF chete. Vamwe vanotiwo hapana chakaipa nekushanya kwaVaMalema sezvo mapato ezvematongerwo enyika akasununguka kudyidzana nemapato aanoda.
Mukuru weYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, VaSidney Chisi, vanoti chingave chinhu chakaipa kana VaMalema vakaita rusarura parwendo rwavo muZimbabwe.
VaChisi vanotiwo hapana zvizhinji zvingadzidzwe naVaMalema pazvinhu zvinoitwa neZanu PF, sezvo bato iri richazivikanwa nekuparadza hupfumi hwenyika.