Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeParamende Dzatanga Kuwana Mari dzeKubatsirikana


Mukokeri weZanu PF mudare reparamende, Va Joram Gumbo, vanoti kubhadharwa kwedzimari idzi kucharerutsa mabasa eparamende

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzinonzi dzatanga kutambira mari dzavo dzavanga vasingapihwe kubva muna 2008.

Mari idzi dziri kusvika pazviuru gumi nezvishanu zvemadhora. Paramende yaifanirwa kunge ichipa nhengo dzeparamende mari idzi kubva pakatanga kushanda paramende mushure mesarudzo dzakaitwa muna 2008.

Hurumende yanga ichinetsana nenhengo dzeparamende pamusoro pemari dzekubatsirikana kana dzichinge dziri pabasa. Asi pakazowirirana gore rapera pakati pehurumende neparamende kuti mari idzi dzibhadhare.

Hurumende ichaburitsa mari inosvika mamiriyoni matatu kubhadhara mari idzi.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekugara zvakanaka kwenhengo dzeparamende, Va Paddington Zhanda, vanoti havasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa nyaya yemari idzi.

Mukokeri we ZANU-PF mudare reparamende, Va Joram Gumbo, vanoti vadare vazhinji vanga vari kudhonza makumbo pabasa nekushaya chekufambisa nacho saka vanovimba mari dzese dzikabhadharwa zvinhu zvichatanga kufamba zvakanaka mudare.

Mukokeri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai muparamende, Va Innocent Gonese, vanotiwo vamwe vavo vawana mari idzi, asi vamwe havasati vaiwana sezvo vari nhengo dzeparamende dzichishandisa mabhangi akasiyana siyana.

XS
SM
MD
LG