Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoronga Kudzika Mutemo Unobata Mangoda


Zimbabwe’s Movement for Democratic Change members of parliament celebrate the victory of Lovemore Moyo, center, who won the most votes in an election to determine the next speaker of the country’s Parliament, in Harare, Tuesday, March, 29, 2011.
Zimbabwe’s Movement for Democratic Change members of parliament celebrate the victory of Lovemore Moyo, center, who won the most votes in an election to determine the next speaker of the country’s Parliament, in Harare, Tuesday, March, 29, 2011.

Nhengo dzeparamende dzinoti dzinoda kuti pave nemutemo wakanangana nekucherwa pamwe nekutengeswa kwemangoda munyika kuitira kuti zvinhu zvijeke panyaya dzemangoda.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, VaChindori Chininga, vanoti pfungwa idzi dzakauya zvichitevera mutauro uripo panyaya dzemangoda.

Gurukota rezvicherwa, Va Obert Mpofu, vanoti mutemo uyu wakatonyorwa kare chasara chete kuti uzeyiwe mudare reparamende gore rinouya.

Va Mpofu vanoti nyaya yekuti mari yemangoda ichashandiswa zvisiri izvo ne Zanu PF kutaura kwevanhu vari kurwadziwa nekuti Harare yava nemvumo ye KP yekutengesa mangoda ayo zviri pamutemo.

Mukuru weCentre for Research and Development maMutare, VaFarai Maguwu, vanoti nyika inofanirwa kuva nemutemo wemangoda nekuti unozoita kuti zviri kucherwa kwaMarange zvive pachena uye mari dzinenge dzabudako, dzinge dzichionekwa zvadzinoitwa.

Ukuwo masangano akazvimirira oga pasi rose akaita sePartnership Africa Canada ne Global Witness anoti ari kutyira kuti mari iri kubuda mukutengeswa kwemangoda ekwaMarange ingangoenda kunobatsira kuzadza homwe Zanu PF munguva iyo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kusimbirira nenyaya yekuti munyika muitwe sarudzo gore rinouya.

Masangano aya ari kukurudzira kuti sangano re Kimberley Process nevaongorori varo, vaone kuti mari iri kubuda kumangoda iri kuenda kunobatsira ruzhinji rweZimbabwe kwete kumutsa Zanu PF.

XS
SM
MD
LG