Accessibility links

Breaking News

VaBoris Johnson Vanosangana na VaSibusiso Moyo kuCHOGM muLondon.


Va Sibusiso Moyo,
Va Sibusiso Moyo,

Gurukota rezvekunze kweBritain, VaBoris Johnson, vasangana negurukota rezvekunze nekutengeserana, VaSibusiso Moyo, kumisangano yeCHOGM iri kuitirwa mu London.

Va Johnson vati Britain inofara neshanduko iri kuratidzwa neZimbabwe kubva pakapinda VaEmmerson Mnangagwa panyanga.

Asi vati pachine basa rakawanda rinofanira kuitwa neZimbabwe kuitira kuti itambirwe zvakare munyika dziri muCommonwealth.

Vatiwo hurumende yavo ichatsigira Zimbabwe kana ikataridza kuti yakazvipira kuremekedza mitemo, kodzero dzevanhu uye kuvandudza nyaya dzezvehupfumi.

Vati sarudzo dzegore rino dzichavapa gwara rekuti Zimbabwe yanangepi sechivimbiso chiri kupihwa nevatungamiriri venyika chekuti sarudzo idzi dzichange dzakachena dzisina mhirizhonga.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti hazvinyanyi kushamisa kuti makurukota aya asangana achikurukura nezveshanduko muZimbabwe sekuti chinhu chagara chichitarisirwa pakati penyika idzi.

Mumwe mazvikokota wezvematongerwo enyika vachidzidzisa zvematongerwo enyika pa Pretoria University, kuSouth Africa, Doctor Tyanai Masiya, vanoti Zimbabwe inofanira kunyorera vesangano re Commonwealth kana ine chido chekudzokera mumusangano uyu.

Vatiwo zvinobatsira Zimbabwe kudzosa hushamwari hwayo pakanaka nedzimwe nyika sezvo dzichitarisa mashandiro ainoita nedzimwe nyika kuti dzione kuti dzinogona kushanda neZimbabwe here kana kuti kwete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG