Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanotura Bhajeti reUS$2,7 Billion muDare reParamende


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaudza paramende kuti hurumende inoda mari inoita US$2,7 billion iyo ichashandiswa nehurumende mumabasa ayo gore rinouya.

VaBiti vati hurongwa hwebhajeti iyi hwakanangana nekusimudzira magariro evanhu pamwe nekusimudzira hupfumi hwenyika

VaBiti vati zvinhu zvichakaoma munyika uye nyika haisati yave kuwana rubatsiro kubva kunze, izvo zvichapa kuti nyika irambe ichirarama nemari yainenge yaunganidza.

VaBiti vati mari inotambira nevashandi vose vehurumende iri kukwira kubva pa US$77 gore rino rava kupera kusvika pa US$1,4 billion gore rinouya. Asi VaBiti havana kutaura kana vashandi vachawedzerwa mari gore rinouya.

VaBiti vati mari zhinji inoita mazana mana emamiriyoni emadhora ichaenda kunyaya dzezvedzidzo uye rimwe bazi richawana mari yakawanda nderehutano.

Panyaya dzedzidzo, VaBiti vaisa parutivi madhora mamiriyoni gumi nemashanu yekubatsira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro. Vapawo imwe mari yekutenga macheya nematafura muzvikoro munyika yese.

Vatiwo vanhu vanodarika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana munyika vari kunwa mvura yakasviba mumaguta nemamuruwa nekudaro vapawo mari yekusimudzira
mabasa ehutanao zvikuru sei pakatarisanwa nenyaya yemvura nezvimbuzi.

VaBiti vazivisawo kuti hurumende inoda kupa mari yekusimudzira magwenya emagetsi kuKariba, Hwange nemamwe vachiti izvi zvichabatsiria vemaindasitiri nemabhzimisi.

VaBiti vatiwo varo kuda kuisawo parutivi mamiriyoni mashanu emadhora semari yekusimbaradza munyaya dzehupfumi kuvanhu vatema vange vasiri kupihwa mukana munyaya dzemabhizimisi.

Vawedzerawo mari isingabatirwi mutero pamihoro yevanhu kubva bva paUS$175 kusvika paUS$225. Vatiwo bhonasi riri pasi pe US$500 harisi kuzobatiewa mutero.

Vatiwo vanhu vacharamba vachibvumidzwa kutenga chikafu kubva kunze kwenyika vasingabvisi mutero.

Vaderedzawo mitero inobviswa nevanotenga mota kunze kwenyika pamwe nemitero yembatya nebhutsu vachiti izvi zvichaita kuti vanhu vasapinze zvinhu izvi munyika nerweseri kana kuti pamukoto.


VaBiti vaudzawo paramende kuti vawedzerawo mari yeConstituency Development Fund kubva pa US$50 000 kusvika pa US$60 000. Asi vati havasi kufara nekuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvenhengo dzeparamende, hazvina kuvhura mabhuku ekumabhanga ekuti vakawanise kupihwa mari idzi.


Vatiwo havasi kufara nenyaya yemari iri kushandiswa nevakuru vakuru vehurumende pakufamba kunze kwenyika, vachiti mari iyi yakatowanda kudarika mari inoenda kuzvinhu zvinokosha zvakaita sedzidzo nehutano.

Asi VaBiti vati kunyange hazvo hupfumi hwenyika huchitarisirwa kuramba huchikura gore rinouuya, pachine zvipingaidzo zvakawanda zvinogona kuvhiringa izvi zvakaita sekuti hapana kugadzikana munyika nekuda kwekuti chibvumirano cheGlobal Polictical Agreement hachisi kutevedzerwa

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda neZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaAlbert Mandizvidza, vanoti zvaturwa muparamende naVaBiti zvinhu zvanga zvichitarisirwa nevanhu vakawanda. VaMandizvidza vanoti chinhu chakakosha kuti Zimbabwe itange kuronga zvinhu nemari yayo kwete kuda kuronga zvinhu ichitarisira mari inobva mukupemha.

XS
SM
MD
LG