Accessibility links

Breaking News

Va Tsvangirai Voronga Kunozvionera Zviri Kuitika kwaChiadzwa


Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vanoti vari kuda kushanyira minda yemangonda kwaMarange kuitira kuti vazvionere vega kuti chii chiri kuitika ikoko.

VaTsvangirai vanoti vanoda kuti hofisi yavo ive nechekuita pane zviri kuitika kwaChiadzwa uye kuti mangonda aya abatsire nyika.

Bepanhau re NewsDay rinoti VaTsvangirai vanga vachisangana nezvimhingamipini kuti vaite rwendo urwu sezvo pasina kuwirirana pakati pehofisi yavo nemahofisi anoona nezviri kuitika kwaChiadzwa.

Asi ivo VaTsvangirai vari kuramba vakatsika madziro vachiti vanofanirwa kunoona nemaziso avo zviri kuitika kwaMarange.

Kuminda yemangoda iyi hakuendwe endwe nemunhu anenge asina kupihwa mvumo negurukota rezvemighodi, Va Obert Mpofu, avo vanozoudza mapurisa kuti abvumidze vanhu vanenge vapihwa mvumo iyi.

VaMpofu vanonzi neNewsDay vakati vachazotarisa chikumbiro chaVa Tsvangirai kana vachinge vadzoka kuzororo regoredzva. Asi VaMpofu vaudza Studio7 kuti VaTsvangirai mukuru wavo, nokudaro havakwanisi kuvarambidza kuenda kwaMarange.

Ukuwo mutevedzeri waVa Mpofu, uye vari veMDC-T, Va Gift Chimanikire, vanoti Va Tsvangirai vakatombopihwa mikana miviri yekuenda kwaMarange nehofisi yavo asi vakakundikana nekuwandirwa nebasa.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, Va Dewa Mavhinga, vanoti kuenda kwaVa Tsvangirai handiko kuchapedza matambudziko ari kwaMarange asi kuti kunobatsira hako mukutanga kujekeswa kwezvinhu zviri kuitika kwaChiadzwa.

XS
SM
MD
LG