Accessibility links

Breaking News

Va Tsvangirai Vanotarisirwa Kusangana Nevechitendero Chepostori Pamusoro Penhomba


Kufa kwevana negwirikwiti munyika mumatunhu mazhinji kwave kukonzera matambudziko akanyanya munyika zvopa kuti masangano akazvimirira ega achitungamirirwa nebazi rehutano, World Health Organisation ne UNICEF aparure hurongwa hwekubayisa nhomba vana vadiki kusvika makore gumi namana kuyedza kuvadzivirira kubva kuzvirwere zvakaita segwirikwiti

Mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vachange vachitaura nevatenderi vechipostori vasingadi kubaisa vana vavo nhomba vachivakurudzira kuti vaite izvi kuti vadzivirire zvirwere zvopararira munyika.

Kufa kwevana negwirikwiti munyika mumatunhu mazhinji kwave kukonzera matambudziko akanyanya munyika zvopa kuti masangano akazvimirira ega achitungamirirwa nebazi rehutano, World Health Organisation ne UNICEF aparure hurongwa hwekubayisa nhomba vana vadiki kusvika makore gumi namana kuyedza kuvadzivirira kubva kuzvirwere zvakaita segwirikwiti.

Vana vanopfuura zviuru zvitatu vakatobatwa negwirikwiti kubva muna gunyana gore rapera vanopfuura mazana matatu vakafa.

Va James Maridadi ndivo mutauriri waVa Tsvangirai. VaMaridadi vati Va Tsvangirai vari kushushikana nekufa kuri kuita vana vadiki nekuda kwegwirikwiti saka vafunga zvekutaura nevakuru vesvondo idzi kuti pamwe vangachinje maitiro pamusoro pekubaisa vana nhomba.

UNICEF yaudza Studio Seven kuti hurongwa hwekubaya vana kubva musi wemuvhuro vhiki rinouya huri mugwara. UNICEF yati iri kukurudzira vabereki vese kuti vatarisise munharaunda dzavo uye mumakirinika kuti vawane kuti vana vanenge vachibairwa papi mumazuva gumi anozotevera. Masangano anoyamura ari kutarisira kubayisa vana vanopfuura mamiriyoni mashanu nhomba. Sangano reUnited Nations pamwe nere European Union ndiwo ari kubatsira nemari zhinji muchirongwa ichi.

XS
SM
MD
LG