Accessibility links

Breaking News

Va Tsvangirai Vochinja Mamwe Makurukota Avo neChitatu


Va Tsvangirai vanonzi vakaudza makurukota aya kuti vainga vatotaura nemutungamirii wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vachange vachiita izvi kuitira kuti VaMugabe vazotoresa makurukota aya mhiko.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kuchinja mamwe makurukota ebato ravo muhurumende yemushandira pamwe. Va Tsvangirai vanonzi vakaudza makurukota avo mumusangano wavo neMuvhuro kuti vachabvisa vamwe nekuisa mamwe makurukota matsva vachitarisa kugona nekusagona kwavo basa, kuzvibata nezvimwe zvakadaro.

Va Tsvangirai vanonzi vakaudza makurukota aya kuti vainga vatotaura nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vachange vachiita izvi kuitira kuti VaMugabe vazotoresa makurukota aya mhiko. Va Tsvangirai vakatizve vachange vachichinja vanhu vanoshanda muhofisi yavo munguva imwe cheteyo.

Muzvare Thabitha Khumalo ndivo mutevedzeri wemutauriri we MDC yaVa Tsvangirai. Muzvare Khumalo vati zviri kuitwa neChitatu zvinoenderana nechibvumirano chakaitwa cheGlobal Political Agreement kuti nenguva yakakodzera vatungamiri vanokwanisa kuchinja makurukota avo.

XS
SM
MD
LG