Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanovhura Mipanda Yanga Yavharwa kuHarare Hospital


Local resident Alan Seaman looks inside a safe in the remains of his home that was destroyed by a fire in the Blue Mountains suburb of Winmalee, west of Sydney, Oct. 21, 2013.
Local resident Alan Seaman looks inside a safe in the remains of his home that was destroyed by a fire in the Blue Mountains suburb of Winmalee, west of Sydney, Oct. 21, 2013.

Va Tsvangirai vati chido chavo kuti Harare Hospital, inozivikanwa nerimwe zita rekuti paGomo, idzokere kumakare kwayo, apo vanhu vairapwa zvakanaka, mishonga nemichina yese inodiwa, iripo

Mutungamiriri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vavhura zviri pamutemo mipanda yemawadhi pa Harare Hospital, ayo anga akavharwa kwemakore masere, zvichitevera kuoma kwainga kwaita zvinhu munyika.

VaTsvangirai vaparurazve michina mitsva inogeza itsvo, kumupanda we Intensive Care Unit, uko kunoiswa vanhu vanorwarisa.

Va Tsvangirai vati chido chavo kuti Harare Hospital, inozivikanwa nerimwe zita rekuti paGomo, idzokere kumakare kwayo, apo vanhu vairapwa zvakanaka, mishonga nemichina yese inodiwa, iripo.

Guruikota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vati bazi ravo riri kuita zvese zvarinogona kuti risimudze nyaya dzehutano munyika kubva mumatope madzanga dziri kwemakore gumi apfuura.

VaMadzorera vatiwo hurumende inoda mari inoita mamiriyoni mazana manomwe yekushandisa mumakore matatu anotevera, kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka mubazi rezvehutano.

XS
SM
MD
LG