Accessibility links

Breaking News

Va Rowan Williams Vanopedza Rwendo Rwavo mu Zimbabwe


Mutungamiriri wechitendero che Anglican Church pasi rose, Archbishop Rowan Williams, vabuda mu Zimbabwe neChipiri vachienda ku Zambia, nyika yekupedzisira mukushanya kwavo kuchamhembe kweAfrica.

Va Williams vakasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakavapa gwaro rinoratidza kumbunyikidzwa kuri kuitwa vatenderi ve Anglican vari pasi pe Church of the Province of Central Africa, kana kuti CPCA inotungamirwa na Bishop Chad Gandiya.

Mugwaro iri, CPCA inoti vamwe ambuya vanofungidzirwa kuti vakaurayiwa kwaMurehwa mushure mekunge varamba kupinda chechi iri pasi pa Bishop Nolbert Kunonga, nekuti vainga vambotyisidzirwa.

Gwaro iri rinotaurazve nekubiditswa kuri kuitwa nhengo dzechechi iyi, pamwe nevana vechikoro muzvivakwa zviri kutorwa nevedivi raVa Kunonga.

Mutauriri waVa Kunonga, Bishop Alfred Munyanyi, vanoti zviri kutaurwa negwaro raVaWilliams manyepo ega ega.

Mutungamiri weCPCA, Bishop Chad Nicholas Gandiya, vanoti VaMugabe vakaita musangano wakanaka navo uye vakavavimbisa kuti vachatarisisa dambudziko riri muchechi yavo, voita zvose zvavanogona kuitira kuti ripere.

VaJona Gokova, avo vanoshanda nesangano re Ecumenical Support Services, vanotiwo rwendo rwaVa Williams rwasimudzira vatenderi ve Anglican Church mu Zimbabwe vari kushushikana nezviri kuitika muchechi yavo.

XS
SM
MD
LG