Accessibility links

Breaking News

Va Mukonoweshuro Vanoshaya ku South Africa


Mutungamiriri vehurumende uye varizve mutungamiriri we MDC Va Morgan Tsvangirai vati varwadziwa zvikuru kuti Va Mukonoweshuro vapfuura nyaya dzekugadzirisa nyika dzisati dzanyatsopera

Vanga vari gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Va Eliphas Mukonoweshuro, vashaya. Professor Mukonoweshuro vashaya nhasi mangwanani muchipatara chiri mu South Africa mushure mekurwara nechirwere chigomarara pamapapu.

Thomas Chiripasi, mutori wedu wenhau ku Harare anoti bato re MDC riri kushushikana zvikuru nekushaya kwaVa Mukonoweshuro.

Mutungamiriri vehurumende uye varizve mutungamiriri we MDC Va Morgan Tsvangirai vati varwadziwa zvikuru kuti Va Mukonoweshuro vapfuura nyaya dzekugadzirisa nyika dzisati dzanyatsopera.

Mumwe wevakashanda nemufi kwenguva yakareba, muzvinafundo Gordon Chavunduka, vanoti nyika kushaya kwavamukonoshuro kwakafanana nebango rabva pane mamwe, izvo zvinosiya imba isina kusimba.

Muzvinafundo Chavunduka vanoti nyika yarasikirwa nemunhu anga aine chido chekusimudzira nyika.

VaChavunduka, avo vakambove vice chancellor ve University of Zimbabwe uye, uye vari mutungamiri we Zimbabwe National Traditional Healers Association, vanoti Va Mukonoweshuro vanga vari chikwaturo munyaya dzedzidzo.

XS
SM
MD
LG